2 Chronicles 18

Mikaya anoprofita zvinopesana naAhabhu

1Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana. 2Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akauraya makwai akawanda nemombe achiitira iye navanhu uye akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi. 3Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?”

Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.”
4Asi Jehoshafati akatizve kuna mambo weIsraeri, “Chokutanga, tsvakai kuda kwaJehovha.”

5Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita vaisvika mazana mana akavabvunza akati, “Tingaenda kundorwisana neRamoti Gireadhi here kana kuti ndorega?”

Vakapindura vakati, “Endai nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”

6Asi Jehoshafati akabvunza akati, “Hakuna here muprofita waJehovha watingabvunza?”

7Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watingabvunza nezvaJehovha asi ndinomuvenga nokuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa nguva dzose. Anonzi Mikaya mwanakomana waImira.”

Jehoshafati akapindura akati, “Mambo havafaniri kutaura vachidaro.”

8Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavabati vavo akati, “Uya naMikaya mwanakomana waImira iye zvino.”

9Vakapfeka nguo dzavo dzoumambo, mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara pazvigaro zvavo zvoushe paburiro pamukova wesuo reSamaria, navaprofita vose vachiprofita pamberi pavo. 10Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, uye akataura achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Neidzi muchabaya vaAramu kusvikira vaparara.’ ”

11Vamwe vaprofita vose vachiprofita zvimwe chetezvo, vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi uye mukunde, nokuti Jehovha achariisa mumaoko amambo.”

12Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane neravamwe, uye utaure zvakanaka.”

13Asi Mikaya akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu ndinogona kumutaurira chete zvinotaurwa naMwari wangu.”

14Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?”

Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.”

15Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?”

16Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira mumaoko samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi, regai mumwe nomumwe wavo adzokere kumba kwake murugare.’ ”

17Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudzai here kuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa chete?”

18Mikaya akaenderera mberi achiti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake nehondo dzose dzokudenga dzakamira kurudyi rwake nokuruboshwe kwake. 19Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’

“Mumwe akataura izvi, mumwe izvo.
20Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’

“Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’

21“Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’

“Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’

22“Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.”

23Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akakwira akandorova Mikaya kumeso nembama akabvunza akati, “Mweya waJehovha waenda nokupi pawabuda mandiri kuti utaure kwauri?”

24Mikaya akapindura akati, “Uchazozviziva zuva rauchaenda kunohwanda mukamuri yomukati.”

25Mambo weIsraeri ipapo akarayira akati, “Torai Mikaya mumutumire kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo. 26Muti, ‘Zvanzi namambo: Isai murume uyu mutorongo uye musamupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka zvakanaka.’ ”

27Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Jehovha haana kutaura neni.” Akawedzerazve achiti, “Batisisai mashoko angu, imi vanhu vose!”

Ahabhu anourayiwa paRamoti Gireadhi

28Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwira kuRamoti Gireadhi. 29Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichapinda muhondo ndakapfeka nguo dzokuti ndisazivikanwa asi imi pfekai nguo dzenyu dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazvishandura akapinda muhondo.

30Zvino mambo weAramu akanga arayira vakuru vengoro achiti, “Musarwisana navamwe vose, vadiki kana vakuru kunze kwamambo weIsraeri.” 31Vakuru vengoro pavakaona Jehoshafati vakafunga kuti ndiye mambo weIsraeri. Saka vakatendeuka kuti vamurwise asi Jehoshafati akachema, Jehovha akamurwira. Mwari akavabvisa kwaari, 32nokuti vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri iye mambo weIsraeri vakarega kumudzingirira.

33Asi mumwe munhu akangokanda museve wake usina kunanga munhu ukandobaya mambo weIsraeri pakati pezvikamu zvenguo dzake dzokurwa nadzo. Mambo akataurira muchairi wengoro kuti, “Tendeutsa ngoro undibvise muhondo. Ndakuvara.” 34Kwezuva rose kurwa kwakaenderera mberi uye mambo weIsraeri akazvitsigira mungoro yake akarwisana navaAramu kusvikira manheru. Zvino pakuvira kwezuva akafa.

Copyright information for SnaBDSC